Chidhori chaSowetho
Sowetho ane makore masere. Sowetho anofarira chidhori chake. Chidhori chaSowetho chinonzi Donadhori. Rimwe zuva Sowetho akashaya Donadhori. Sowetho akatsvaga Donadhori mumba. Akatsvaga pasi petafura. Akatsvaga pasi pechigaro. Sowetho akatsamwa nekuti akashaya Donadhori. Akatsvaga mumaruva. Akabvunza katsi Kumala. Katsi Kumala yakatarisa Sowetho. Sowetho akabvunza huku Chiki. Huku Chiki yakatarisa pasi. Sowetho akabvunza imbwa Imbwayashe. Sowetho akawana … Read more