Zuva rangu rekuzvarwa


ChiShona

‘Kukurigo!

Muka Tanatswa. Nhasi izuva rako rekuzvarwa!’

Izuva rangu rekuzvarwa.

Izuva rechikoro zvakare.

‘Amai! Femberai kuti nhasi izuva ripi?’ ndinodaidzira.

‘Nhasi izuva rako guru,’ vanodaro Amai. ‘Izuva rinofadza.’

‘Idya bota rako. Kurumbidza. Unofanira kugadzirira.

Haufanire kunonoka. Nhasi izuva rakakosha.’

Ndinodya bota rangu.

Ndinofarira bota rinopisa.

Vanhu vese kuchikoro vanoziva zuva rangu rekuzvarwa.

Vanoimba rwiyo rwezuva rekuzvarwa. Vanonyora tutsamba.

Nhasi izuva rinonakidza.

Ndiri kutarisira kudya kwemanehru.

Amai vanobika zvekudya zvinonaka pazuva rangu rekuzvarwa.

Ndiri kutarisira kuona munin’ina wangu, Rumbidzai.

‘Tanatswa, chii chinoitika munyaya iyi?’ Mai Makombe vanobvunza.

‘Makore mashanu!’ ndinodaidzira. Ndiri kurota zvangu.

Shamwari dzangu dzinoseka.

Ndinosvika kumba.

Kuziva ari kufara. Kuziva ihanzvadzi yangu.

Akapemberera zuva rake rekuzvarwa muna Kubvumbi. Ane gore rimwe.

Ini ndine makore mashanu!

Amai vabika zvekudya zvinonaka.

Vabika sipinichi, chibage, nhopi, mupunga, muto, nenyama yehuku.

Tinodya sadza mazuva ese, asi kwete nhasi!

Vanhu vese vanoimba rwiyo rwezuva rekuzvarwa.

Nhasi izuva remufaro.

‘Nhasi izuva rako, Tanatswa. Izuva rakakosha,’ vanodaro Baba.

Tinodya. Tinopemberera.

Zuva rangu rekuzvarwa izuva rakanaka.



‘Zuva rangu rekuzvarwa’ is a translation by ZimbOriginal of the original story ‘It’s my birthday‘ written by Sinovuyo Mcunukelwa, illustrated by Josie Versfeld, published by Book Dash (© Book Dash, 2023) under a CC BY 4.0 license on Book Dash. Modifications to the original work include a change of the title in the translation, some changes to the text, and a change of the characters’ names.