Mugwagwa mutsva

ChiShona

Kudzai anotamba neshamwari yake Anna. Vanofarira kubata ishwa.

Vasikana ava vanogara mumana rimwe. Vanotamba vese.

Vanotambira pamugwagwa weguruva. Mugwagwa wacho wasakara.

Amai havafarire mugwagwa uyu. Une matombo nemakomba.

Matombo anobaya tsoka dzevanhu. Makomba anouraya matayi emota.

Rimwe zuva, Kudzai anoona tirakita huru pamugwagwa.

Amai vanoti tirakita idzi dzinonzi katapira.

Mugwagwa uri kugadzirwa.

Mugwagwa weguruva unofukidzwa nezvinhu zvitema.

Amai vanoti zvinhu izvi zvinonzi tara.

Katapira dzinogadzira mugwagwa mutsva.

Mugwagwa mutsva hauna matombo. Mugwagwa mutsva hauna makomba.

Mugwagwa uyu unotsvedzerera. Mutema mupamhi. Mugwagwa wakanaka.

Amai vanofarira mugwagwa mutsva uyu.

Kudzai naAnna vanoda ishwa. Vanoenda kumugwagwa mutsva.

Vanobata ishwa nhatu chete!

Kudzai naAnna vanoda kutamba nhodo.

Mugwagwa mutsva hauna matombo!

Kudzai anonetseka.

Mugwagwa mutsva unokuvadza ishwa here? Ishwa dzinofema sei?

Kudzai anojigimura pamugwagwa.

Mugwagwa mutsva wakasimba chaizvo!

Kudzai anoenda kuna Amai.

‘Rega kunetseka. Ishwa dzinowana nzira yekubuda nayo,’ vanodaro Amai.

Rimwe zuva mvura inonaya. Kudzai anomhanya kuna Anna.

‘Ishwa dzadzoka!’

Mugwagwa wakasimba, asi ishwa dzakachenjera!


‘Mugwagwa mutsva’ is a translation, by ZimbOriginal, of the original story The New Road, written by Fiske Serah Nyirongo, illustrated by Nicodemus Silingo, published by Book Dash (© Book Dash, 2019) under a CC BY 4.0 license. Modifications to the original work include additions to the text and changes to the characters’ names.