Ini nemukoma wangu


ChiShona

English

Ini ndinonzi Navi.

Anu mukoma wangu.

Anondibatsira kuita homuweki.

My name is Navi.

Anu is my sister.

She helps me do my homework.

Dzimwe nguva handidi kuita homuweki.

Asi Anu anoona kuti ndaiita.

Sometimes I do not like to do my homework.

But Anu makes sure I do it.

Anu ane bhasikoro guru.

Anondifundisa kurichovha.

Anu has a big bicycle.

She teaches me to ride it.

Pandinopunzika anouya achimhanya. Anondibatsira.

When I fall she comes running to help me.

Anu anofarira kundidenha.

Ndinobva ndatsamwa.

Anu likes to pick fights with me.

That makes me angry.

Pandinotsamwa anokumbira ruregerero.

Ndosaka ndichida mukoma wangu Anu.

When I get angry she apologises.

That is why I love my sister Anu.



Ini nemukoma wangu’ is a translation by ZimbOriginal of the original story ‘My Sister and Me (English),’ written by Kanchan Bannerjee, illustrated by Saloni Chopra, published by Pratham Books (© Pratham Books, 2013) under a CC BY 4.0 license on StoryWeaver. Modifications to the original work include a few additions to the text.