Chiremba vaipfekera

ChiShona

English

Makore angaite kana mazana maviri apfuura, paivepo nemusikana ainzi Margaret Ann Bulkley. Margaret aigara kune imwe nzvimbo yaitonhorera iri yenyarufuro, nzvimbo inonzi Ireland.

Margaret aiva akachenjera uye aisaneta nekudzidza. Aiva neshungu dzokuzoita zvinhu zvikuru. Margaret akanga ari munhu akashinga, airwira zvakanaka, kana achinge aona zvakaipa.

Once upon a time, about 200 years ago, there was a girl called Margaret Ann Bulkely. Margaret lived in a cool, green land called Ireland.

Margaret was clever and curious. Margaret had big dreams. Margaret was brave and fought when she thought something was wrong.

Amai nababa vaMargaret vakabhadharira hanzvadzi yake kuti inofundira kuita gweta. Vakabva vazoshandisa mari yese yakanga yasara kuti izokwanisa kuroora mwanasikana wembozha.

Margaret akanga akachenjera uye aiva neshungu dzokuzoitawo zvinhu zvikuru, asi pakanga pasisina mari yekuti akwanise kuzofunda, nyangwe kuti azove murairidzi kana mukotiwo zvake.

Margaret akanga akashinga. “Ndinoda kuzoita chiremba!” akadaro Margaret. Asi makore mazana maviri apfuura, musikana haaikwanisa kuita gweta, kana kupinda mune zvematongerwo enyika, kana kuita chiremba.

Margaret’s mother and father paid for her brother to be educated as a lawyer. And then they used the last of their money so that he could marry a wealthy man’s daughter.

Margaret was clever and had big dreams, but there was no money left for her to study, not even as a governess or a nurse.

Margaret was brave. “I want to be a doctor!” she said. But two hundred years ago, a girl could not become a lawyer or a politician or a doctor.

Margaret aiva nasekuru vaiva nemukurumbira wekudavada zviyevwa zvependi. Vainzi VaJames Barry.

Imwe shamwari yaVaJames Barry yainzi VaMiranda. VaMiranda vaimbova mumwe wevakuru vemauto, vari vekuVenezuela. Vaiva nedurazivo guru raiyevedza. Durazivo raVaMiranda raiva nemabhuku aidarika zviuru zvitanhatu!

“Ndinoda kuverenga rino! Nerino iri! Nerino iri!” akadaro Margaret. Margaret akanga akachenjera uye aisaneta nekudzidza. VaMiranda vakazviyemura.

Margaret had an uncle who was a famous painter. His name was James Barry.

One of James Barry’s friends was General Miranda from Venezuela. General Miranda had a library – it was very beautiful and very big. His library had more than 6000 books!

“I want to read this one! And this one! And this one!” said Margaret. Margaret was clever and curious. General Miranda was impressed.

Sekuru vaMargaret, VaJames Barry, vakamusiyira mari pavakafa. “Imari inokwana fundo yekuva chiremba!” vakadaro VaMiranda.

“Asi handikwanise kuita chiremba,” akadaro Margaret.

“Mukomana anogona kuita chiremba,” vakadaro VaMiranda. “Iwe unogona kungopfeka semukomana.”

Margaret akanga akashinga, uye airwira zvaaitendera. Aida chaizvo kuita chiremba. Saka akagera musoro. Akafundria kutaura nezwi rakadzika. Akapfeka nhumbi dzechikomana. Kubvira ipapo, hapana akaziva kuti Margaret aiva musikana. Akabva anzi James Barry, sasekuru vake.

When Margaret’s uncle James Barry died, he left her some money. “It’s enough money to study to be a doctor!” said General Miranda.

“But I can’t become a doctor,” said Margaret.

“A boy can become a doctor,” said General Miranda. “And you can dress like a boy.”

Margaret was brave and she fought for what she believed in. She really wanted to be a doctor. So she cut off her hair. She practiced speaking in a deep voice. She put on a boy’s clothes. From then onwards, no one knew that Margaret was a girl. She became James Barry, just like her uncle.

James Barry aiva mudzidzi wezvekurapa aishanda nesimba. Akatora zvidzidzo zvaisvika gumi nezvitatu, akashanda nemunguva yemadziya vamwe vadzidzi vaenda kuzororo.

Asi pakapera makore mashanu, akapotsa atadza kunyora bvunzo yekupedzisira. Vainyoresa bvunzo vaiona sekunge aiva mudiki zvakanyanya! James Barry akanga asina ndebvu nokuti akanga asiri munhurume.

James Barry was a hardworking medical student. He took 13 subjects and worked all through the summer when the other students went on holiday.

But after five years, he nearly didn’t get to write his final exam. The examiners thought he looked too young! James Barry didn’t have a beard because he wasn’t a man.

Chiremba James Barry vakanga vakashinga uye vaisaneta kutsvaga zivo. Chiremba James Barry vaiva neshungu dzekuita zvinhu zvikuru. Saka vakanopinda mumauto. Mumauto waiwana mukana wekuona pasi rese!

Mugore ra1816, Chiremba James Barry vakaendeswa kuCape Town nemauto. Cape Town raiva guta diki rainakidza rekuSouth Africa. South Africa yaiva kure kure chaizvo neIreland.

Chiremba James Barry vakanzwa kufara.

Dr. James Barry was brave and curious. Dr. James Barry had big dreams. So he joined the army. In the army, you could see the world!

In 1816, the army sent Dr James Barry to Cape Town. Cape Town was a small, interesting city in South Africa. South Africa was far, far away from Ireland.

Dr. James Barry felt excited.

Chiremba James Barry vaiva vapfupi, uye vari vatete. Vaipfeka shangu dzakakwirira, vopfekera zvinhu zvakapfava pasi penhumbi dzavo kuti varatidzike sevahombe.

Vanhu vekuCape Town vaidaidza Chiremba James Barry vachiti ‘kapok dokter,’ chiremba vedonje.

Dr. James Barry was short and slim. He wore platform shoes to look taller and padding under his clothes to look bigger.

The people of Cape Town called Dr. James Barry ‘the kapok dokter,’ the cottonwool doctor.

“Ndingada chaizvo kudimura nzeve dzako!” vaidaro Chiremba James Barry vachikwidza izwi kune anenge aedza kumisidzana navo.

Chiremba James Barry vakatombopinda padzivo repfuti! Zvakazongoitawo zvakanaka, nekuti vose vakapotsa pakupfurana.

Ko sei chiremba vaida kurwa zvakadai? Margaret akanga akashinga, asiwo aitya. Aiziva kuti zvikabuda pachena kuti ndiye aiva Chiremba James Barry haaizotenderwi kuita chiremba.

Munhu wese aifanira kubvuma kuti Chiremba James Barry vaiva munhurume.

“I would very much like to cut off your ears!” Dr. James Barry would shout at anyone who challenged him.

Dr. James Barry even once fought a duel with pistols! Luckily, they both missed hitting each other.

Why did the doctor fight so much? Margaret was brave, but she was also frightened. She knew that if anyone found out that she was Dr. James
Barry she would no longer be allowed to be a doctor.

Everyone had to believe Dr. James Barry was a man.

Chiremba James Barry vairwira zvakanaka kana vachinge vaona zvakaipa.

KuCape Town, vanhu vaiva nemaperembudzi vaitandirwa kwainzi kuRobben Island. Varwere vemaperembudzi ava vaiiswa kuchiwi nokuti vanhu vaifunga kuti zvaiva nyore kubatira chirwere chacho kubva kune aiva nacho.

Dzimba dzaiva netsvina, nezvokudya zvakanaga zvisina kunaka zvaiwedzera kurwara kwevarwere vemapere. Chiremba James Barry vakakumbirira varwere vepaRobben Island pekugara pakachena, nezvokudya zvakanaka, kubva kune vatungamiri vemuCape Town.

Dr. James Barry fought when he thought something was wrong.

In Cape Town, people with leprosy were banished to Robben Island. The lepers were put on the island because people believed they could catch the disease from them very easily.

Dirty houses and bad food made the lepers much sicker. Dr. James Barry asked the leaders in Cape Town for cleaner living conditions and healthier food for the sick people on Robben Island.

Kuzoti papfuura makore, Chiremba James Barry vakashanda muchipatara chemuhondo. Apa ndipo pavakasangana nemukoti ainzi Florence Nightingale.

Florence Nightingale aizivikanwawo sa’Mudzimai ane Rambi,’ nokuti aifamba neusiku achitarisa varwi vainge vakakuvara.

Akaita mbiri munguva yehondo nokuti akakumbirira varwi pekugara pakachena, nezvokudya zvakanaka, kubva kune vatungamiri vemauto.

Chiremba James Barry vakanga vava nemakore vachikumbira zvimwechetezvo.

Many years later, Dr. James Barry worked in a war hospital. Here he met Florence Nightingale, a nurse.

Florence Nightingale was also known as ‘The Lady with the Lamp,’ because she would check on wounded soldiers at night.

She became famous during the war because she asked the army leaders for cleaner living
conditions and healthier food for the soldiers.

Dr. James Barry had been asking for the same things for many years.

Chiremba James Barry vakafamba nzvimbo zhinji pasi rese. Vakashanda kuSouth Africa, St. Helena, Barbados, Mauritius, Trinidad neTobago, Malta, Corfu, Jamaica, Crimea, West Indies, nekuCanada… nzvimbo dzinosvika gumi nerimwe.

Vakambofara vachiona nyika!

Dr. James Barry traveled all over the world. He worked in South Africa, St. Helena, Barbados, Mauritius, Trinidad and Tobago, Malta, Corfu, Jamaica, Crimea, West Indies, Canada… 11 places in all.

What exciting adventures he had!

Vanhu vakatozoziva kuti Chiremba James Barry vaiva munhukadzi mushure mekufa kwavo mugore ra1865.

Mugore rimwechetero, Chiremba Elizabeth Garret Anderson vakava mudzimai wekutanga kuita chiremba muBritain.

Chiremba James Barry vanotiratidza kuti vasikana vanokwanisa kuita chero chipi chavangade.

People only found out that Dr. James Barry was a woman when she died in 1865.

In the same year, Dr. Elizabeth Garret Andersen became the first woman to become a doctor in Britain.

Dr. James Barry has shown us that girls can do anything they want.


‘Chiremba vaipfekera’ is a translation by ZimbOriginal of the original story ‘The Cottonwool Doctor (English),’ written by Michelle Matthews, illustrated by Jean de Wet, published by Book Dash (© Book Dash, 2014) under a CC BY 4.0 license on StoryWeaver. Modifications to the original work include a change of the title .