Uso hwangu

Shona


Uso hwangu hwakanaka.

Maziso angu akanaka.

Nzeve dzangu dzakakura.

Muromo wangu wakakura.

Rurimi rwangu rwakareba.

Mhuno yangu yakakura.

Chirebvu changu chakapfava.

Tsiye dzangu dzakanaka.

Mazino angu akachena.

Matama angu akakura.

Vhudzi rangu rakapfava.


‘Uso hwangu’ is a story by Mackenzie Gurupira, with guidance from Shungu C. Chidovi under the ZimbOriginal 1-on-1 Shona for Kids Program, with illustrations by Sue Beattie – published by African Storybook Initiative (© African Storybook Initiative, 2018) under a CC BY 4.0 license on StoryWeaver.